Wednesday 6 July 2016

Dhuma Dhuma NeMuedzo Muchurch – Ndakazomuzhaka Nayo CEO

Kunoitwa ma crusades ndokunenge kwakarasa muswe madzimai zvekuti kana isu vana Dzindi unotiwana tichimira mira kunge mweya wentsvina pamurwere, kunge tinoda kwazvo kunzwa shoko asi iri nyaya yekutsvaga  madzimai anoda kukwenyewa. Ndavekubvumirana nevaparidzi nevadzidzisi pavanoti madhimoni anozivana uye mweya yetsvina inodaidzana.
Kumwe kudiwa neconnection inoitika even pa pablic unotoshaya kuti zvirikumbofamba seyi seyi chaizvo. Masvondo apfuura ayo pakarohwa imwe open air crusade neimwe ministry ine muporofita anemukurumbira kwazvo. Semazuva ose  tinozivikanwa kuti pazvimbo idzi ndopatinowanikwa, saka ndaivepewo ndichivhima vhima asi chakazoitika manje handizive kuti zvakafamba sei munhu waMwari akange orima mumunda mangu.
Akatsanagura nyaya yeupombwe nemademons of the the marine spirits anobva munyanza anoshandisa vanhu kupomba nekupombwa ndikanyatsonzwa kubatwa neshoko, musi uyu hamba yakanga yasangana neanedemo zvekuti pakazonnzi vanoda kupa hupenyu hwavo kunaJesu ndini ndakaita munhu wekutanga  kusimuka ndakananga kwaidaidzirwa nemuzodziwa waMwari. Izvi zvakashamisa vanhu vose nekuti ndinotozikanwa Tabvuku neTafara, Zimre kusvika Ruwa kuti ukaona mukadzi amira nasekuru Dzindi atopombwa mukadzi iyeye there are no two ways. Asia pa shoko rakanga randibata ndikaona zvakafanira kupa hupenyu hwangu kunamusiki.
Takaitirwa munamato wataiteedzera mumashure wainge kutora mhiko kuti ndapa hupenyu hwangu kunaMwari uye ndasiya mabasa ese epanyika. Zvapera izvi takanyorwa mazita nemaadress uye svondo rese rakazosara ropera haiwa tange tatova ma ushers ndini umwe wevamwe vaiuyawo kuzoita voluntary work kuti crusade inyatsofambira mberi. Ini nevamwe vakati wandei takapawo hupenyu hwedu kunaMwari. Mukupera kwechiitiko ichi zvaireva kuti kereke yainge yakuzopindirwa kuHarare kunzvimbo inonzi Waterfalls kumashops ekwaZindoga. Ehee ikokuya ndiko chaiko kune vanokuziva.
Zvamunoona muupenyu zvimwe zvinhu unotadza kuzvinzwisisa kuti zvinoitirwei kana usati wawana dudziro yazvo zvinokunetsa uye kunyange ukatsanagurirwa haungazvinzwisise. Munoziva ndainetseka kuti sei mapurisa eZimbabwe Republic Police vachinzi vanofanira kutanga vabudirira kumhanya 10km nenguva yakatarwa kuti vazonzi vakukwanisa kutrainer for six months kuti azonzi mupurisa.
Izvi ndakazozviona manje apo taive mukombi tichienda kuchurch takasvika paroadblock wanikwe paita jamabanja reidzo nyaya dzanetsa mazuva ano dzemaroadblocks every 2km idzi. Vakatanga kunetsana mapurisa nemahwindi ndokubva  povo yaramba zvema dhisinyongoro ruzhinji rwaivepo rwukati batai ,kana mupurisa anetsa batai mupurisa murove, zvikanzi varume nevakadzi batai munhu kana munhu anetsa batai munhu, ndiye aah batai munhu, rambe yangova batai munhu, batai munhu, but vasati vambodii mapurisa akanga ato reader kuti dzapiringana mwana asina mbatya, zvinhu zvakange zvaita manyama amire nerongo.
Vakabva vangoita waziva kwake waziva kwake kutiza kwemakonzo asvikirwa nekitsi asingafungire, ndiye chitsoka ndibereke vachidyiwa nechisango chaive pedyo, vanhu nehukasha hwavaiva nahwo hwekunonotswa vakamboedza kuti vangavatandanisa asi vakasiiwa vachitosvorwa nekukachidzwa neguruva rainge rasimudzwa nemajoni vakuita zvavakadzidzira kuMorris depot, kana pamwe ndoku Indabazinduna here hameno. Povo yakasiiwa irimuguruva roga roga zvekuti hapana kana chavaikwanisa kuona.
 Pahutatu hwavo hapana akambofunga zvekushandisa motokari yerudzi rweBMW yavaiva vakapaka mamita mashoma kwazvo kubva pavaive vari. Asi vakatoona kuti inganonoka ikavabatisa pakushandisa dzavo tsoka idzo dzavakashandisa zvinehunyanzvi zvekuti pakazogadzika bukuta ravaive vasimudza paisamboratidza kuti pambenge paine mapurisa panzvimbo iyi. Kwaisaonekwa kana cap zvayo because vese vainge vanyangarika sedova rinotiza zuva nechinguva chisipi. Kunyangarika kwerudzi urwu ndofunga ndokuya kwaiitwa nematororo nguva yehondo zvaizokonzera mabhunu kuti vateme miti nekupfura mombe nemadhongi vachit matororo achinja kuita zvipfuo nemiti. Shiri yakanga yabvuta rekeni yemuvhimi saka panga pakaipa zvrkuti paisatomboda zvekutamba nehupenyu, zvekuti dai varume vatatu avaa vakabatwa vaizochitaura chakatadzisa imbwa kuseka iko kunyenama ichigona.
Zvisinei takabva tangopfuurira mberi nerwendo rwedu nyaya yakange yangova yemapurisa kombi yese. Vanhu vakautsanangura mamhanyire akange aiita mapurisa. Musi uyu ndisu takaita vanhu vekutanga  kusvika pachuchurch kwakutorawo zvigaro pakanaka paisazondikanganisa kunzwa shoko, semunhu akange asisade zvisina basa, ndakange ndave chisikwa chitsva muimba yaMwari. Ndakagara zvangu ndakati zii ndichiteerera mimhanzi yairohwa yekurumbidza Mwari nevarume nevakadzi vanezvipo zvekuimba, kukwenya magitare, makeyboard pamwe netamburena. Rainge band chairo ini ndichigutsurira musoro ndakadekara zvangu paplastic chair ndichiteerera present and worship.
Ndakanzwa ndapreswa nemutundo ndikati regai ndimbonorasa Mvura kuchimbuzi, saka ndakasiya  bhaibheri rangu  idzva randainge ndatenga  ndakariisa pachair kuya kwatingati kubatira nzvimbo kuti pasawana mumwe angagara ipapo sezvo aingozoona kuti pane munhu asiya abata nzvimbo..
Pandakadzoka ndakasvikowana bhaibheri rangu rachinjwa parange riri, raiswa paneimwe chair, uye chair yangu yandange ndakagara yakange yagarwa nevamwe mai vechidiki. Amai ava vairatidza kuti vangangova nemakore anosvika 28 kusvika pa32 ipapo, vari vashava vanemuviri uripakti nepakati uye watingati atheletic body. Ndakapererwa nechiitiko ichi ndikati zvirikumbofamaba sei chaizvo? Ivo Havana kana kucheuka vakaramba vakatsikitsira vachiratidza kuti vaive busy panharembozha yavo iyo vaingotsvaira tsvaira nemunwe wavo. Mai ava vaive nenharembozha yerudzi rwe apple ichangoburwa yacho, zvakabva zangondionesa kuti asva munhuwo zvake, asi aiva munhu anetwunhu twake. Makey emote aiva pamusoro peleather brown handbag yavaive vakatsimbirira nemagokora avo pamakumbo avo.
Ngakaona zvakakodzera kuti ndisakuvarire mukati kunge dzokono ramushambarichakwata, zvaive nani kuvabvunza kuti ko zvavainge vaita izvi vainge vazviitirei? Vakasimudza uso kwakunditarisa mumaziso, vakavhizura musoro wavopaumbozha kuzvigadzirisa vhudzi ravo iro raiita kunge renjuzu. Kwakubva vazoti. ‘’Zvandaiita zvipi zvacho nhai mukoma?’’
‘’Ndange ndasiya nabata nzvimbo pachigaro chamakagara ipapo, ndosaka ndasiya bhaibheri rangu iro ramaisa uko iro.’’ Ndakaedza kutsanangurawo zvineuMwari mukati, asi vakabva vasekerera svoto ndokuti:
‘’Mukuwasha, chinobata zvimbo pachair magaro sezvandakaita izvi, kwete bhaibheri manzwa! Excuse me!’’ vakabva vaenderera mberi nekutsvaira pachiso chenharembozha yavo nemunwe.
‘’I am sorry ambuya” Ndakadaro ndatoona kuti amai ava kwavakabva vakange vapoya nepafafitera vamwe vanasikana vachirairwa. Vairatidza kuti inhundiramatsime mharapatsetsetse chaiyo. Kana vaive nemurume kubva murume wacho aiva mungwavaira tateguru wenhamo navo mai ava. Ndazoenda kunogara pavange vaisa bhaibheri rangu paya, asi nyaya iyi yainge yandidya moyo kwazvo zvekuti musi uyu church haina kundifambira zvakanaka ndichingofunga mhinduro yandainge ndapihwa naamai ava. Chokwadi munhu auya kuchurch anagati hanzi chinobata zvimbo magaro kwete bhaibheri, kutaurawo here ikoko?
Mai ava vaive vakatojaidzwa chaizvo namai vavo vaivasiya vachiyamwa mukaka vakatsika pachinena chavo vachitadza kurova kagumbo ikako. Ndakambofunga kuvaendera kumukuru wechurch kuti atiyanananise sezvo ini ndaive ndabatikana, but prophet havaonekwe zvekumhanya,uye havaonekerwe tunyaya twakadai seutwu. Ndakazoenda zvangu kumba asi ndainge ndakabatikana ini.

Mushure memazuva maviri ndakatovarairwa zvangu masikati ndirikubasa kanharembozha kangu ndokurira. Manje nenyaya yezvikwereti uye zvinyawu zvakandiwandira handidaire number dzandisangazive kuti ndedzani. Munongoziva mumacompany umu paya hadzisi kubuda zvekumhanya, kana yatobuda inenge iri half pay after two kana three months. But muZimbo usadherere, tirikungorarama zvakadaro makore achipindana zichitovharana. Saka nyaya iripo manje ndeyekungokwereta kwereta imwe iya iya hanta maiziva.Saka kana nharembozha ayarira inoongororwa zvakasimba kuti angange ari ani afona.
Pakaita mamissed call angasvika matatu ndikazoona papinda massage zvikanzi ndiri church mate yenyu get back to me as soon as you see this massage. Church mate? Ndiani iyeye? Mushure meone hour akafona zvakare ndokurovera moyo kudombo ndoti regai ndidavire. ”Hallo Dzindi Can I help you?”’
“Mr Dzindi my name is Rutendo ndini ndakatora chair yenyu  few days ago kuchurch you remember?” Ndakapererwa ndikashaya kuti ndomupindura kutii manje. Ko number dzangu ainge adziwana kupi? Ko ainge akudei zvakare kwandiri? Iye munhu wekundiudza kuti chinobata zvimbo magaro kwete bhaibheri. “Hallo Dzindi are you there?”’
‘Yes taurai henyu hanzvadzi ndirikukunzwai..” ndakapindura ndisinganyatsoziva kuti ndozvandaida kupindura here. Akati iye ainge afona kuti angonzwa kuti ndirisei sezvo akaona kuti ainge andizvimbisa bhibho zuva riye kuchurch. Ndakamubvunza kuti ko number dzangu ainge adziwana kupi iye akatinditi zvainge zvisineyi kuti ainge adziwana kupi asi change chakakosha ndechekuti tainge tataura tese.
Rutendo anoshandira imwe company inoita zvemaservice stations  aine chigaro cha Chief executive officer uye aine tumwe tumabusiness twakewo twaanoita muharare mekare. Ini ndakazomuudzawo kuti ndinoshandira mukanzuru yeharare. Akandikumbira kuti kana zvichiita ndaizonomuona mutown kubasa kwake kana ndakasununguka ndikatisevanhu vanonamata vose painge pasina chakaipa.
Kusvika kwandakaita kubasa kwaRutendo ndipo pandakazoziva kuti hoo ndosaka amai ava vasina respect nevarume because ndovavanoshanda navo uye vachitonga varume zvekutonga zviya. Muoffice mke munoita kunge musingashandire munhu mutema. Hofisi yakashongedzwa zvemhandoyepamusoro iyoyo. Ndakati asimukadzi uyu haana kukwana shuwa naiwo mazirolling chair arimuhofisi make oda kuita mutsimba neni nekaplastic chair kekuchurch nhai zvinoitawo here kana ndimiwo?
She was very friendly,ndakapihwawo zvinwiwa zvinotonhorera ndikanwa tikakurukura hedu. She was relatively knew in the church uye iye ange asina kuroorwa, zvakare anga asina munhu waari kudanana naye panguva iyoyo. Technically she was inviting me in her life that’s what she was saying but munongozivawo kuti mukadzi haangazopfimbi murume pachivanhu chedu it’s a taboo. But in ndange ndatoireader, ndikati vakoman dhiabhurosi satani nyoka aita take take neni chokwadi.
Apa ini ndakaroora, mukadzi nevana vari tii kumba. Pandakamuudza mamiriro andakange ndakaita hazvna kumushamisa kana kumuchinja mood yake, because ndakatonyatsotiwo “ Ini I am lucky to be married to a lovely and very caring wife, and God blessed us with two lovely children. Bla blab la imwe iya iya ndichifunga kuti zzvinogona kumuita put off, but aah aitoita senge asina kuzvinzwa. Hukristu huya hwakatanga kutiza zvishoma nezvishoma ndikatanga kupfekwa nehunhu hwangu hwekare. Maziso angu ainge aiiswa magnifying lenses because ndainge ndakuona hunaku hwaRutendo with a lust expression. Dzindi, back to square 1, chandagona hapana apa, ndanga ndati nditizirewo kuchurch ndasvikowana zviri worse.Manje policy yangu ini ndeyekuti muedzo unouya urimucup I drink. Ndinonwa.



No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *