Sunday 12 August 2018

Horomba YeGudo Pamariro Papfacha Yakatsvukisira Mufundisi Ziso

Bulawayo - Chakava chisionekwi kushanyirwa namutiro parufu. Vafirwi nehama neshamwari dzavo vakasara vati kanha nemashura ayo vakasangana nawo muDonnington paineimwe kambani inochengeta, kugeza pamwe nekubatsira mukuvigwa kwevafi.ma

Paya anhu vose pavange vati zii, mufundisi vavekunyatsopa mashoko ewonekedzano kuham a yakange yashaya. Yakazova bata mupfupi bata murefu ahh heyo mhandapanda mush ure mekunge pazvimbo yaiitirwa service pasvika muenzi aiva asina kutarisirwa kwete pamamriro chete, asi muguta rose reBulawayo.

Rakakanyaira rino zimbombo regudo rizere nehushingi richipinda muchivakwa umo vapenyu vaionekana nehama yavo iyo yainge yatorwa mweya wayo kuenda kunyikadzimu. Rakanaga kupurupiti uko kwaiva namufundisi richitotaridza kuti raitoda hondo chaiyo nemuranda wajehovha.

https://cdn.mg.co.za/content/documents/2013/02/06/ED_0018402.jpg
Vamwe havana kuzomirira kuona zvaiitika yavemhandapanda kutsikirira pasasa kuedza kubuda pagonhi.Kana chembere  nevatana vaive vakagara nechemberi havana kumirirawo mukana wepasasa asi vakaitawo nhangemutange kusvotoka nepamafafitera echivakwa ichi.

Vakaona zvichiitika vanoti kana nemunhu waMwari havana kuona kuti akabuda sei asi vanechokwadi chekuti haana kududa nepamukova sezvo kuriiko kwakanga kuchiuya negudo iro rainge riine hukasha hweshumbahadzi yatorerwa handa yayo.

Sekubwaira kweziso muimba yaiitirwa munamato wekuonekana nemufi makange masara chitunha nehoromba iyi chete. Varume vanochengetedza panzvimbo apa ndivo vakazopinda basa kurwa namukanya ava kuti vabude panze

Gudo iri rabuda panze haria kure kwarakaenda asi rakakwira pamusoro pemarata kwakutanga kuita masaramusi vanhu vachiedza kuritora mifananidzo asi hapana chaibuda. Kunonziwo vehukama vakatanga kunongedzana nekunanga huroyi pekare ipapo.

Vashandi vepamusha uyu vakatozobuda ziya rinenge ropa  mukudzoredzera hama neshamwari kuti vaenderere mberi nerufu, asi chakazonetsa ruznhinji ndechekuti vanhu vese vagara kuti basa ripfuurire mberi munhu waMwari haana kuzoenekwazve, kana painge pakamiswa hambautare yake yainge isisipo.
Hapanazve akakwanisa kuzonyatsonzwisisa kana kutasanagura kuti Gudo iri rakazofamba sei kubva pamusoro pemarata paraive riri.  Zvinonzi vehukama vakazongotora mutumbi wehama yavo vonanga kumakuva kunomuradzika.

Gudo iri rinonzi rashaisa vagari vemuBulawayo mufaro sezvo rinetsika yekudzvomborera vana kana vakadzi zvinhu zvinodyiwa.

Zvichakadaro vanoona nezvekuchngetedzwa kwemhuka munyika varataridza kuti havana chavarikuziva nezveGudo iri, vakurudzira veruzhinji kuti vavazivise kana vachinge variona.

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *