Tuesday 22 December 2015

Akamitiswa Nechikomba Chaamai…Kuchikoro Haachaenda, Kufamba Idambudziko

NYAYA yemimba yekamwana keForm 2 kekuDomboshava yokonzera kugeda-geda kwemeno zvichitevera mashoko anoti mwana uyu akamitiswa nechikomba chaamai vake asi vamwewo vachiti akanhumburiswa nasekuru vake. 


Mwana uyu, uyo ane makore 15 okuberekwa, tichangomuti Chipo senzira yekuchengetedza kodzero dzake sezvo achiri ndumurwa.

Chipo ane pamuviri padarika mwedzi misere, apo anoti akanyoresa kuchipatara cheHarare Central Hospital. Pamitemo inochengetedza vana yemuZimbabwe, uyu achiri mwana zvekuti haasati asvika zera rekuita imba yake kana mwana.

Nyaya yekuti pamuviri pane mwana uyu ndepechikomba chaamai vake kana kuti ndepasekuru vake, hanzvadzi yaamai, inotsinhirwa nevagari venharaunda yavagere.

Kwayedza svondo rino yakashanyira nzvimbo iyi ndokuita hurukuro naChipo, baba naamai vake, murume anonzi chikomba chaamai vake uye ari kupomerwa kumitisa mwana uyu, nevamwewo vemunharaunda.
https://daveweasel.files.wordpress.com/2015/08/depressed-girl.jpg
Akamitiswa Nechikomba Chaamai…Kuchikoro Haachaenda, Kufamba Idambudziko
Chipo akawanikwa ari pamba pevabereki vake achitadza kufamba nenhumbu yaari kusunda iyo yakura uye anoti haana mbatya dzemateneti kana gadziriro yepamuviri apa.
Chipo anotanga nekuti: “Pane murume anonzi nevanhu anodanana naamai vangu, achinzi zvakare ndiye akandipa pamuviri. Uku kunyepa, pamuviri ndakapihwa nasekuru. Vaindibata mumba umu (achinongedzera) vachindivhundutsira kuti ndisataure.

“Zvekuti murume uyu anodanana naamai vangu ini handizvizive, handizvibvume kana kuzviramba.”
Mwana uyu anoti akagumisira kuenda kuchikoro nemusi wa15 Gunyana gore rino.

Murume ari kunzi anodanana naamai vaChipo pamwe chete nemwana uyu (uyo watisiri kudura nekuti ndewepedyo kumhuri iyi, anorambisisa nyaya yaari kupomerwa achiti mabasa evavengi vake.

Zvisinei, anotsinhira kuti pane mashoko ekuti anonzi ndiye akapa mwana uyu pamuviri.
“Ichokwadi, nyaya yekuti nhumbu ine musikana uyu ndeyangu iri kutaurwa. Asi chokwadi ndechekuti haisi yangu nekuti handidanane naye.

“Zvekarewo, zvinonziwo amai vake ndinodanana navo zvinhu zvinotaurwa asi inhema. Kana baba vangu chaivo vakatombondibvunza nyaya iyi,” anodaro.
Anoti kune vamwe vasingadi kuona vanhu vanowirirana muupenyu sezvaanoita nemhuri iyi nekuda kweshanje.

“Ndakatonetsana nemukadzi wangu nekuda kwemakuhwa aya. Izvozvi tave kutogara mudzimba dzakasiyana nekuda kwenyaya idzi, ini ndichinzi ndinodanana naamai nemwana. Aya makuhwa chete.”

Murume uyu anonzi ndiye zvakare akatanga kuburitsa nyaya yepamuviri paChipo uyewo anonzi akaripa mombe kuna baba vemwana uyu sevharamuromo.
“Ndakatengesa mombe kuchikoro ndichida kutenga fetireza, mbeu nemishonga yekurimisa. Imwe $100 ndakaipa baba vangu kuti vashandise kuvaka imba yedu yekuHarare.

“Asi nemukadzi wangu hatiwirirane pano nekuda kwenyaya iyi achiti ichokwadi. Uyewo zvekuti ndini ndakatanga kuziva nhumbu yemwana uyu kunyepa,” anodaro nyakupomerwa uyu.

Mudzimai wake (zita tinaro) anotiwo nyaya yekuti murume wake ndiye muridzi wepamuviri paChipo nekutiwo anodanana naamai vacho yatekeshera munharaunda.
“Murume wamunoona uyu (achimunongedza) ibhuru renyika, haabvire muvakadzi, vake havapere kusanganisa iye musikana ane pamuviri uyu naamai vake.


“Izvozvi hatigare mumba mumwe chete, iye anobika oga ini ndoga. Ndakatembenge ndaenda kumusha kwangu ndikadzoka nekuda kwenyaya iyoyi. Ndiri kugara upenyu hwehuranda nemurume uyu,” anodaro mukadzi uyu achidya marasha.

Amai vemusikana uyu, avo vaitaura nyaya iyi vachichema, vanoti nyaya yekunzi nhumbu ine mwana wavo ndeyemurume uyu vanoinzwa zvose nemashoko anoti vanodananawo nemurume mumwe chete uyu.

“Zvinonzi ini ndinodanana nemurume uyu zvichinzizve nhumbu ine mwana wangu ndeyake. Ndatova nemakore mashanu ndichinzi ndinodanana naye. Asi mwana kubva patakaenda kumapurisa nekukiriniki, ari kuti pamuviri ndepehanzvadzi yangu ine makore 16 uyo akatotiza kuenda kuEpworth,” vanodaro amai vaChipo.

Vanoti nyaya yekuti mwana wavo akapihwa pamuviri nasekuru vake vakaimhan’ara kumapurisa ekwaMatope, kwakare kuDomboshava, vakanzi yaisava nehudzamu sezvo iri yevana vadiki.

Asi baba vaChipo vanoti mashoko ekuti mukadzi wavo anodanana nemurume ari kupomerwa uyu vanogara vachianzwa uyewo nekuti zvakare ndiye akapa mwana wavo wedangwe pamuviri.

“Nyaya iyi inondirwadza zvikuru. Inotaurwa nehama neshamwari dzepedyo, kuti munhu anodanana nemukadzi wangu ndiyezve akapa mwana wangu pamuviri.
“Mudzimai ndinomubvunza nyaya iyi uyewo nemwana asi vose vanoramba. Hanzvadzi yemudzimai wangu ndiyo inonzi yakapa mwana uyu pamuviri asi handina chokwadi nazvo,” vanodaro baba vaChipo.

“Icho chinonzi chikomba ichi ndakachibvunza akaramba asi handisati ndabata chokwadi pazviri.
“Hakuzi kudheerera kukuru kuti odanana nemukadzi wangu zvose nemwana? Ndakatosvika pakumbosiya zvekunamata ndikatsvaga mushonga werunyoka kana kuti rukawo kuti ndiise pamukadzi uyu nechinangwa chekuti ndibate chokwadi nekuti ndazvishairwa pazvo.”

Baba vaChipo vanoti vave chiseko cheveruzhinji munharaunda yavanogara nekuda kwenyaya iyi.
“Izvozvi handina 4 days ndatukwa nemushandi wemurume ari kutaurwa uyu achinditi ndakapusa, ndinonyengerwa mukadzi nemwana achipihwa nhumbu zvakare.

“Zvinorwadza, mukadzi wangu ndakanomubvunza kuti zvinorevei? Ndakasvika pakuti hatichiregai kunzwana nemurume anonzi chikomba uyu asi vadzimai vangu vakaramba nekuda kwechikonzero chandisina kuziva,” vanodaro.

Baba vemwana uyu vanoramba nyaya yekuti vakapihwa mombe yevharamuromo.
“Ndakamubatsira kunotengesa mombe yake akapihwa $300. Ini handina kana chandakabata, ndakarwadziwa nezvakaitwa kumwana wangu nekuti ndaida kuti aendewo kuchikoro nekuti aigona zvikuru.”

Baba ava vanoti vanoda kuti mwana wavo azoongororwa ropa remwana achazvarwa kuti kuonekwe kuti ndewaani.
Sadunhu Munyawiri, VaEdmond Munyawiri, (69) vanoti nyaya iyi vanoiziva.

“Nyaya yekunzi muchinda uyu akapa mwana pamuviri uyewo achinzi anodanana naamai vacho zvakare ndakainzwa. Ndakamirira, kana vasina kuuya vabereki vacho ndichatuma makurokota angu ikoko vonovapa masamanisi. Pane makunakuna apa, ndokusaka mvura isiri kunaya,” vanodaro Sadunhu Munyawiri.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumahofisi avo.

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *