Tuesday 22 December 2015

Madhende Ehumhandara Hwangu

Chisikana Rudo chakakura naamai chete baba vakasoshaya kare kare, hama dzababa dzaramba kubatsira kana nechipeneti zvacho.. Chekudya chaicho chaivanetsa, kuchikoro haana kukwanisa kuenda nekuti nguva zhinji vainge varimumaricho vachiruvira chikafu. Nhamo yakapfunya chisero mukukura kwaRudo.



Kusvika pakuva mhandara zvaakange ava izvi, kwake kwaive kuchema nekushanda chete, In shot mufaro muupenyu hwake wanga wakatapwa nenhamo.

Rimwe zuva achibva zvake kuhuni aakucrosser tara, anonzwa bhera pii!! pii!!, anonetseka kucheuka semunhu akatakura svinga rehuni. Anotsvaga pekumira owisa svinga rake rehuni akarizendamisa nemuti.
Madhende Ehumhandara Hwangu
Anocheuka anosanganidzana meso nerino jaya rakatsvinda ratobuda muzi mota rakange rakanaka kwazvo. Rudo anorohwa nehana, oda kutiza asi mukomana abva zera anomunyengetedza kusvika vakwazisana. nekubvunza kwaigara uye magariro aiita.

Achinzwa nhoroondo yaRudo mukomana akamukumbira kuti vaende vese kwemusikana. Nekunyara Rudo akamboramba, asi mukomana akamunyengerera kusvika abvuma, vakasiya huni panzira voenda kurukesheni kwaigara Rudo namai vake.

Vaigara muchitangwena kuseri kwemain house yevamwewo vaive netsitsi dzekuvachengeta. Rudo anoshaya zvino kuti odii asi mukomana anoramba achiti anoda kupinda panogara Rudo. Mai nemwana vanozevezerana Rudo opinda mumba ounganidza tumitsoto twavo vobva vamutendera kupinda.

Vakazobuda zvavo mukomana kwakumbira rudo kuti vaende kutown kwaakanomutengera chikafu chekudya iye namai vake, prama stove uye parafin..

Mazuva nemazuva zuva mukomana aishanya achiuya kuzoonaRudo, zvisinei kuti ainge atenga prama stove dzimwe nguva aisvikowana Rudo asipo aenda kuhuni. Izvi zvairwadza mukomana. kusvka aiita zano rekutenga huni dzacho, asi Rudo aienda kuhuni zvakangodaro.

Mukomana akazotaura zvekuda kuroora Rudo rudo haana kuramba nekuti hapana musikana anedzakakwana aigona kuramba makomborero akadaro. Munhuwese zvakanaka anozvidawo, kushaya chete.

Amai vaRudo vakapihwa twavo towose nembasera nembasera, yekuvakirwawo imba yavo nemukuwasha kurokesheni. Mukomana waRudo anoudza Rudo kuti kwedu kwataaukuenda uku hauna chaunotaukura mudiwa wangu nekuti zvose zviriko. Mbatya itsva idzi chienda ugeze nhasi wopfeka mbatya itsva usiye dzako dzese kuno.

Musikana anoita sekudaro asi nekurwadziwa nembatya yake yaaidisa chero yainge yabvaruka zvayo, anopedzisira apfeka mbatya itsva pamusoro peidhara ovhara kuti mukomana asaona izvozvo. Vanoonekana nevamwe oenda nemukomana wake kumasurbub ekuHarare kwaaigara. vakagara zvakanaka chose murume achienda kubasa.

Rudo aisara achipfeka nguvo dzake dziya dzaidisa kwazvo kuseri kweyard achitamba achiti '' madhende ehumhandara hwangu! madhende ehumhandara hwangu madhende ehumhandara hwangu!! Kana mnguva yekuuya kwemurume yosvika anobvisa madhende ake oviga kwazvo pekuti murume hapana chaiona.

Rimwe zuva murume anouya kubva kubasa nguva isakafanira anosheedza; Honey! honey! asi haana kupindurwa. Anotsvaga mukadzi imba yese haana kumuwana. Anonzwa inzwi remukadzi wake ririkuimba madhende ehumhandara hwangu! madhende ehumhandara hwangu! madhende ehumhandara hwangu!! Murume achisvika pamukadzi anodonha pasi neshungu, anochema kwazvo!! Kuti zvino mukadzi uyu ndichamuiteiko?

Kunyange ndakamupa zvese asi haana kuda kunditerera pandakati siya zvese zvakasakara. wakandivanzira madhende ehumhandara hwake.... Anoti zvirokwazvo kunyangwe ndakamuda nemoyo wangu ndichamudzinga ndimudzosere kunhamo asina chaainacho.

Aaah hama yangu ndaona vakawanda iriyo level yedu yekunamata iyi. Zvisinei nezvatakanga tiri Jesu mwanakomana waMwari akanyengetedza moyo yedu kuti tiuye kwaari, akabvisa kusvoorwa nekuzvidzwa kwakanga kuri muupenyu hwedu, akazadza mweya yedu nemufaro.

Asi akatirambidza kutakura mitoro yeupenyu hwedu akati turai mitoro yenyu kwandiri. Anoti rasai zvakaipa musiye nzira dzakaipa dzamairarama madziri. Sukai zvakaipa zvenyu muropa rangu kuti mugonzi vana vababa vangu.

Wakatambira Jesu semuponesi wako, ukamuda nemoyo wako wose and paari ndopanerudo rwako. Asi tarisaka hama yangu, panechimwe chakaramba kusara nemoyo wako chawairarama nacho munyika chaurikurarama nacho nhasi munaKristu. Sin has become a permanant disability in Christ. Iro shoko richiti mweya yakaremara haipindi musvitsa nechikomba. Hakupindi chakaipa kana chivi chipi zvacho.

Nguva yeprayer group uripo haushaikwe,but uchibva ipapo urikuendepi ko? Kuchurch ndimi anhu acho munotozikanwa nemafundisi nemabishop, nemapastor, asi ndanzwisisa kwazvo kuti pane chaurikunoita pakavanda chakarambwa naKristu.

Rudo! iwe Rudo! Rudo!! Musi wesvondo kuchurch, chipiri nechitatu manheru kuchurch, china kuruwadzano, vabvuwi vanoshingaira nemabhachi, asi kungoti nzvee pake ege hoyo arikuimba madhende ehumhandara hwangu. Unoimba pakahwanda asi tarira hama yangu , hama yangu zvose zvakaitika pakavanda zvichaonekwa pachena, pamberi pevose.

Takabva neko kumhunga hakuna ipwa! inzwa kana ndichikuudza kuti zvinosiika izvi. Ndatya kwazvo kuona kuti nyangwe nevatungamiriri vanenguva yekuimbawo madhende ehumhandara hwangu.Jesus!! have mercy on us! tinzwirei nyasha Tenzi wangu!.

Zvirokwazvo shoko rinoreva chokwadi kuti ibwa yakarutsa, ikadzokerazve kumarutsi ayo. Nenguruve yakanga yashambidzwa yakadzokerazve kunoumburuka mumatope. (2Petro 2 verse 22)

Hama yangu kuita kwako kwatsamwisa murume aripaseri pezuva apo!! Asimuka! handina kuona mufaro pachiso chake nekambo kako kemabasa akaipa awkapfekera pasi pezita rechikristo. Tamba neni seshwari yako yepafacebook, kwete kutamba nezita rake Jesu. Better kurambwa neni munhu wenyama pakurambwa naMwari.

Dai Mwari atibatsira vatendi vaJesu, iyi yanhasi haina kuvinga varikunyika, asi yavinga isu tinoti tinonamata asi tiiene madhende ehumhandara atisina kusiya patakatendeuka kuenda kuimba tsvene.

Mwari vakomborere zvinyorwa zveshoko ravo Amen.

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *