Tuesday 22 December 2015

Mudzimu Waro Bonga – Part 3

Ndakazomutswa namadam ivo vatopepukawo zvavo zvikanzi; ‘Iwe Hondo, chibuda uyende daddy vanogona kungouya anytime because vane system yekuti vaenda out of the country ivo vari around.’’ Ndakati kwanyanu kwakungokanda kanda mbatya pamuviri ndakuda kunyahwaira ndichibuda. 

Ndakapihwa kakiss kepadama ndikambomira ndakavatarisa ndichisekerera. Madam vakasekererawo ndichiona mazino zvo ainge akachena kunge mukaka. Ndakabva ndaviga angu nekunyara because ainge ave nemwedzi yakati kuti ndisati ndamboakwesha nechitanda. Ndakangozozhinyurira pasi pasi ndofamba zvangu ndichibuda.


Ndichingonoisa musoro musitting room dhuma dhuma maziso naboss vagara zvavo pasofa vakanditarisa neziso rainge rakatsvika ropa.. Tsinga dzemusoro dzakaita kuruka musoro wavo waiva nezuda dzakazvimba. I froze like a scarecrow in deserted fields. Ndakambofunga kuti kwaive  kurota here, or what kind of a joke was this? Munhu ange andioneka mangwanani acho achiti arikueenda kuKenya for some days, apa agara pasofa what kind?


Murungu haana chaakataura, ini handinawo kana kukwanisa kusimudza gumbo kuenda mberi kana kudzokera shure. Muviri wangu wakapindwa nechando zvaiita sekuti ropa ranga ramira kufamba here, kana kuti moyo wanga wamira kupomba handizivi kuti chii chainyatsoitika. 

Ndopakatangira Musikanzwa... Maiziva Here? [Part Three]
Muroyi kudzidzira kuroya unohukurwa nembwa chete vakuru vaigara vakazvitaura, hezvo kutanga, first time in my life kurara nemukadzi wemunhu ndabva ndabatwa red handed ndichibuda mubedroom. Hama dzangu imwe nhamo inokuvinga ichiita kunge rugare chokwadi. Ko ini chakanditadzisawo kuramba pandaivhevhetedzwa chiiko? Ko ndakanga ndatadza kuona rufu rwaive rwandishamira Seiko ini kwakupinda mumuromo meshumba ndichiimbira jerusarema musha wakanaka?

Izvo baba vangu vaPfaure vaigarondiudza; ‘Mukadzi wemunhu haabatwe mwanangu, mukadzi wemunhu rufu mwanagu, rwunofiwa munhu akanyenama sembwa yadya nyama inemuchetura. Hondo mwanangu mukadzi wemunhu kunyange anake sei iyegarwe mwanangu usazofa wakabata mukadzi wemunhu nyange akuise pamiedzo yakaita sei.  Kana hove isina kuvhura muromo wayo haibatwe nechirauro, asi iyo yavhura muromo ndiyo ichava usavi hwemuredzi.’’ Vaiita ekuimba mashoko aya vachindiudza semwanakomana aidiwa.

Hanzi ndamba kuudzwa anoonekwa neropa kudonha!! Ndakange ndazvicherera rangu rinda nekuda kwekusateerera mashoko evakuru. Dai ndakange ndangoitawo saJoseph wemubhaibheri  hanti ndaidai ndisiri pano apa. Ndakaona rufu, ndikaona satani akabata makeys egomba rakanga rakadzika kwazvo muine moto wesaferi, ndichikandwa imomo nekuda kwezvivi zvangu. Because kwandiri kana irinyaya yekufa apa it was given, ndange ndatofa nekuti ndaizviziva kuti murungu wangu  pese paanogara anenge aine kachigumbo kehuku kanenge kaine mabara 7. I could on wonder about the next life because pangu pakanga papera.

Ko ndakange ndakanganwa zvese izvi Seiko? Why? Why didn`t I remember kuti my boss was a politician? Why didn`t I remember that my boss aive nembiri yekuuraya vanhu? Ko Seiko? Sei chaizvo ndisina kuzvirangarira kuti pavakatora mukadzi uyu vakatomutorerawo mumwe muzvina business asina kuzoita mazuva akazowanikwa akapondwa  kumakomo ekuEastern highlands? Ndakanga ndaitei nehupenyu hwangu chokwadi? Ndaifunga zvese izvi ndichiita kunge ndairota asi ndakatarisana nemurungu achidzungudza musoro maziso aiita kunge ropa. Aisagona kana kutaura nekudumbirwa nehasha. Pakatsamwa munhu hauudzwe, unongoona wega nesituation kuti hapasisina kumira zvakananka.

Kumashure kwangu ndaitonzwa madam varibusy zvavo kugeza vachiita kuimbirira nechimuridzo. Kana kumborota zvavo kuti kunze kunei. Vaisaziva kuti kunze kwangange kwadoka masikati machena. Ava ndovaiva mudenga rechinomwe ndichinzwa mvura iri shwaaaa apakamuridzo kechisalad kachirohwa haikona mhani. Ndakambofunga kuti ndodzokera mumashure ndivhare door ndotsvaga window rekubuda naro, but ndakarangarira murukirirwo wakanga wakaita imba yavo nemaburglar bars ndikaona kuti panga pasina changu. Imba yacho ndimwe yedzimba dzine maximum physical security features.

Apa zvino ndange ndangotuzurirana maziso nemushandirwi wangu. Akanga anditorawo kumusha kundiunza kudhorobha achindihoresa kupera kwemwedzi woga woga. Ini tsvee zvekudiridza loan nemaruva ndakunwa pastime ramambo. Haa iyo weti yanga yandiparira, dai ndaa ndanga ndisina kuzobudisa zidanda rangu pachena pasina zvose izvi.

Murungu akavhura bag rake raiva patable akabudisa pfuti yake akaisa patable akanyarara. Ukuwo madam vanga apedza kugeza pavanga vakucrosser kuenda kuwadrope yavo vakatoshamisika kuti ndakanga ndakamira padoor namanje. ‘’Ndozvakaipa kuraidza chembere muto wegwaya, inenge yoda kutofira mumvura. Ndati chienda uchabatwa uri ipapo, hameno hako, But unokwira Hondo heyi, kubva ndichikura handisati ndambokwirwa ndikabatwa nehope one time, aiwa moyo wangu wakupa sando dzako dzose. Dai uri shiri ndaikuti chihuta change, handidi newe ini. Wanakirwa hauchada kuenda kikikikiki” 

Vaitaura zvavo vachitozora mafuta apa zvose zvavaitaura murungu aizvinzwa.

 Ndakanzwa hura hwangu huchisumuka kunovhara mapapu, muviri wese uchimera mapundu. Ndakanga ndichida kuti I am sorry sir but I remember kuti ndakangoshama muromo  asi hapana inzwi rakabuda mumuromo. Dai madam vaiziva kuti it was possible kuti ini naivo tese taizenge tave zvitunha munguva shoma yaitevera havaimwechuka kutaura izvozvo.  

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *