Saturday 26 December 2015

Mudzimu Waro Bonga -Part Four

Hama dzangu Chitaurirwa hunyimwa mbare dzemusana, kufa chaiko ndokwange kwaita, asi kafiro kandaizoita was going to be determined with the action I was going to take that moment. 

Ndaizongobairwa here sechipiriso chegwayana? Kana kuti ndaiita kufa kwemurume hubuda ura? Kana ndaizvipira kuita chipiriso, ndaizofa firo inorwdza, asi kana ndaiita hondo apa sezita rangu ndaikurumidza kufa. Asi ndakaona mukana waiita 1% wekuti ndaigona kurarama but with serious wounds, injuries or even fructures. Murungu wangu ndaimuziva ini. He was a well known killer.


Ndirimukati mekufunga kudaro ndakanzwa door rebedroom richindipushira mberi zveforce rakabva rati dhwaa kuvhara ndikanzwa kufamba kwekey ini ndichinodonhera kwakadaro at the same time boss vachisimuka akuda kunovhara door rekukitchen ranga rakashama. Madam boss vanga vazvivharira mubedroom vachindisandidzira kuhombarume yavo yaive nenzara kuti indiite kanyama kanyama.

I was a fool. I should have seen this opportunity kare kwazvo. Pakaita a reflex action in me as I sprang to the door. Tichiita nhangemutange naboss kuenda padoor. I was surprised to see myself bouncing back to the center of the house with double kinetic energy than I had applied forward, ndakasvikomhara pakacoffe table kegalss kachiti mwarara ini ndichipotsa ndaita kumira nemusoro makumbo ari mudenga..

Musuwo wakashama unoshaikwa kana kuti unoita muduku kana nyika yasunama. Iri nyaya yekuda zviro kunge chimbare bag chisingade kupfuurwa, ndange ndaputirwa nei chaizvo, kurara nemukadzi wemunhu?

Whilst I was trying to think what had happened I realized that my boss was in air, coming for my neck with full force. Ndakati umburu umburu iya yechisoja chaiyo, coincidentally ndaiendaa kwainge kwadonhera kapfuti kavo kavange vasiya pakatable kandainge ndaparadza nemusana. The next thing ndakange ndasvika pairi and it was in my hands. I was not going to waste time ndichida kudzidzira pfuti muhondo. I did not know how to operate it, so I wanted it out of my way because it was a game changer.

I knew kuti ndange ndichazofaa one way or the other, but not without a fight, yes I was wrong ndakange ndabatwa gwikwikwi nekadzi wavo, but I had a constitutional right to live. Handiite izvozvo mwana wekwa Pfaure ini. Ndakachipotsera panze nepahwindo chigumbo chehuku, my boss was also crawling achiuya chete. With the most dangerous weapon out of the way my chances angu ekurarama akaita achiwedzera zvakare.

My boss was coming with the speed of a rhino and stammering all the way vachitadza kubudisa an “I will kill you today.” word. Ndakaedza kuvanzvenga but it was too late, takaita gumi rakadya vaviri, vachiedza kundiwisira pasi andobva ndaramba. Vaifemereka, because of his obesity two minutes of such action was too much for him. My chances of escaping were now ‘prorata’.

Akandikachikira pahuro, ndakagoverwa mastrong cops dzichiita zvekujambirira sehondogwe ye hwai ndikanzwa mhino dzodurura hova dzemushiye. Musoro waiita kuti ngwii!! Ngwii!! Kunge watsemuka nepakati. Kuwana nguva yekuteerera marwadzo zvinenge zvakanaka paya. Ndakadzipwa zviya zvekuda kushonyororwa mutsipa kunge huku yekuba.

“Son of a bitch!! You will meet your ancestors vasina kukurayira. Ndakanzwa mweya uchipera ndakabatwa gurokuro chete. Ndakakurumidza kufunga ndikati ndikaramba ndichiita nharo pandabatwa apa hapaite. Ndakaita sendakufisuka ndakaawetsura maziso. And he thought he had gained ground, ndakapfugama apa maoko aiita kuramba achipinda mugurokuro mangu kunge nzwara dzechapungu.

Ndichinoti gwadagwa pasi ndakasimudza ruoko ndakafunda chibhakera ndichinomuzhaka machende ruchibuda nekuseri. Dhara rakaita kusumudzika neforce mumhepo ndiye rimbindi kwakadaro. I galloped for more air to resuscitate my breathing system. Nekukosora nekukosora madzihwa neropa zvichingoerera zvakasangana ipapo, apa my boss was riding in agony because jende ndomupedza zvose.

Without wastingtime, I bolted out of the house like lightening. Zvandanga ndakapfeka ndozvandakakwanisa kubuda nazvo. Handina kuwana mukana kana wekupinda kumba kwangu. Ndichingonoti nzvee nekona pakabva pasvika mota mamonhya amudhara. Saka zvoreva kuti kulazer kwadzange dzakaita dzaive dzafonera mahitman adzo kuti auye azonditora nhayi?

Ndakakwira mudhuri ndichichekwa nemabhodhoro aive akaiswa ndichinoti jiti kuseri. Imbwa dzepanext door dzikatiwo nyama yauya yega. Ndakasvetukira mumuti kunge bonga. Mukomana wepo akauya achizoona kuti chii chainge chamhanyirwa nembwa kudaro wanikwe ndiHondo arimumuti kunge tsoko imbwa dzakagarira pasi.

Ndakabva ndangomuudza kuti shamwari mudzimu wadambura mbereko, ndabatwa ndichichinda mukadzi wemurungu. Akabva ati aah kana neni ndoyandiri kutotamba izvozvi hauone handina hembe. Akanditi nekukuvara kwawaita uku hakuna kwaungaende unobatwa, dhara rako hariite unoriziva wani. Akanditora akandipinza mumba make, akabvarura worksuit yangu paiva neropa akanochiturika paduwall ravo the other side raiienda kugomo.

Hapana kumboita maminutes gate ravo range raakutorohwa rohwa, imbwa dzichipenga kwazvo. Anoti painge paine mamonya 7 vakamubvunza kuti mukomana wepanext apota seri kuno aripi, iye akati akwidzwa durawall nembwa awira kuseri. Ndakanzwa mutsindo nepaseri peboy sky ndikanzwa vakuti akwira nepano apa, shamwari mucomrade wena, asiya chipenga cheworksuit pawaya vakabva vaputika nekuseka zvavo.vachiti chatiza neupenyu hwacho wena nhasi ndaida kuita chekutanga ndachikwira nekumagaro ndisati ndachiuraya. Vakati pwati kuseka zvakare.
Ndakanzwa mamonya akuti; ‘’zvikanzi but garden boy haana mhosva mudhara vakungoda kushandisa mhasuru pasingaite shamwari” mumwe akati;

‘Even dai uriwe ukanzi huya nechimoko chiya ungaramba here”

“Umwe akati; ndingarambe mukaka iwoyo ndopenga?, kutoushaya mukana. Dai muchinda uyu tamubata ndozvandaida kumurovera izvozvo zvekuti anowana mukana sei ini ndichiushaya.’ Vanoti bvuu kuseka zvakare.

Vakaenderera mberi vachitsanangura manakiro akaita madam vangu apa in hana ichiita kubika manhanga. Vakauya vakamira pamusiwo wemba yaKuzhinya (mukomana webasa muridzi wemba) zvikanzi ndipowo mvura yekumwa shamwari. Akavati inwai patape apo.

Pakataurwa maepisodes amadam akawanda team richimwa mvura; hanzi vakange vari kamodel, vakamboroorwa asi mudhara akazorova muchinda akange akaroora huruwoki wavakazonosiya kwaMusanditevera vamukanda murwizi munaSave.

Hey varume imhondi ava, ndakafunga ndichinzwa ziya richiteuka muviri weserimwe richimhanya nerukoronga rwespinal code richinomwrira muchjean trousers change chaive mukati chandive ndadambura makumbo ndakushandisa seunderwear nesleeping gown at the same time. Hanti munoiziva nyaya yacho kuti kana paine chinhu chinonetsa kutenga pamunhurume I underwear.

Varume vazhizhinji vamunoona vakakiya masuit iti tione underwear munofenda iwe. Tutambo twega twega. Vakazobuda zvavo gate vakuenda, pavaifamba paipfumbukira tuhuruva kunge paifamba boka remakwai.. Ndakadongorera ndikaona hwandamakwakwa dzemarume dzichiita kukanyaira kunge mabhuru enyati dzichienda, but mudhara haite haite ndoyaanga andirongera iyi nhai?

Ndakatura befu ndikati yaa apa ndanga ndaenda ini, hameno ivo madam kwavange vasara kuti vaizorarama sei nehasha dzakange dzinedhara ravo. Kuzhinya apedza kuvhara gate akazodzoka achidedera akati; “Chokwadi mbutu yemukadzi haiite, ndoyasimudza hondo yose iyi? Muchinda wangu wanga waenda iwe, waona zvakanakira good neighborhood, kana neni ndanga ndichingosura ndakamira panze apo rimwe paranga richingokanda maziso mumba ndikati nhasi ndikazikanwa kuti ndini ndakuviga, tese tange tapera sahwira.

Taifa takanyenama sembwa chaizvo. Ko nditaurire zvambonyatsofamba sei chaizvo? Chii chaitika? Ndakamutsanangurira muchidimbu akaratidza kushamisika nazvo asi achiratidza kufungisisa nazvo. Takatanga kuwanza tichitaura nyaya yekusimba kwemusana wagarden boy nekuziva kutsenga tsanga midzi nemugondorosi zvaisazikanwa nevarungu vedu. Tirikutaura kudaro takanzwa;

‘’Kuzhii! Kuzhinya!!! Kuzhinya iwe!!!” mukadzi wemurungu wake akanga akudaidzawo uyo. Kuzhinya akati ainge asiira session panzira, akavhara door ndokuenda kwainge adaidzwa ndiye nyaa ariko apa kwange kwatosviba. Ndosaka ini nemurungukadzi wangu taisanyatsopindirana yanga irirnyaya yekuti ndange ndisiri kusakura garden reseee? Ndange ndisina style ndosaka ndaigara ndichiona moto apa achindifudza kunge mombe ine nhanjana.

Marwadzo ekubaiwa nemabhodhoro kudhonha uye kudzipwa neshandukuminya yandakange ndaita pakuponesa upenyu hwangu zvakange zvotanga kutora ushe mandiri, asi ndaisimbiswa nekuti ndakange ndararama. It could have been worse that the pain. Ndaigona kungofa vabereki vakasaziva paiva neguva rangu nekuda pakati.

Dont miss out Part 5
Follow me on twitter: @dpfaure
Facebook: https://web.facebook.com/groups/167676223610606/



No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *