Tuesday 19 January 2016

Dzawira Mutswanda – Akanga Achangobva KuSudan Jullie Part 8

Tichisvika kwaMereki vanhu vaive mavhu nemarara, mafaro aiva madirativhange chaiwo, kune vanhu vanofara zvavo, vanababa vamunozoona kudzimba uku sometimes dzinotoita kunge pwere. Varume nevakadzi vaifara zvekutamba vakaita shandukuminya, munhu achitambisa chiuno nemakumbo musoro wakatsiga Zimbabwe.

Ndakaona kamufananidzo keSodoma neGomora pamazuva aRoti vakazemberwa netusikana, twumwe twacho twainge tuvana tudiki chaitwo, ndakatomboti ko ve girl child network vari kupiko? Kunenge kwaita basa kuno kwaMereki. Waizoti ukaita mukana wekuswedera pedyo woona kuti inga zvaratove dore zvaro asi inyaya yema pfekero anenge akaitwa nekadhimba kamushaya nyama, Paitoda ZRP for abuse of property/clothes. Vamwe nevamwe vanenge vachirova music yavo.

Mota dzinenge dzine mawatts akawanda ndodzaitonga ipapo, because paive necompetition yekuridza music kunge mukomboni. Asi vana mukanya pakurova mimhanzi ishasha chaidzo. Chikomana chepa Mash East Jar Praiser nekangoma kake kejerusarema ndiye aidandaurwa mumota dzevakawanda. Mukanya Mapfumo vaizotevererawo, Pamwe wainzwa Dhara redu samanyanga rekukosora kosora neka unique beat kavo

Dzechitendero hadzishaikwe pakadai, vamwe vaiita kuzeya, kutatarika nekutadza kumira, kuchema nekuchema vachingoti nesuwo tirimunyasha, Ebenezer Ebenezer nhasi tasvika pano. Kune rumwe rutivi kwaive nedzimwe ngamura nhatu dzaive dzakagara pazvimacamping chairs paine MaFortuner maviri neMerc, apo painzwika mharidzo yaBlessing Shumba.


Vana Don Williams vainzwikwa vachibudikirawo nemukati mukati imomo nekuti hapana panoitwa zvechihure mutown makatadza kuznwikwa Don williams, pamwe waimbonzwa museve Watonga, kana bit rezvifana zvemazuvano ivo vana disappear ava muzvima altezer, mark 11 netumwe tumaposh cars zvaindobva zvaireporter kuti vechidiki varipano netusikana twaiita kunge tuma models, apa twakapfeka zvimadark sunglasses ndofunga ndofashion iriko mazuvano hapeno. Ndakati zvangu tuvafana utwu vasikana vavo vaziva kuti ndiye Dzindi wepafacebook uyo twunovatiza twese pano twuchiuya kucelebrity yebonde.  

Madhara achipuruzirwa matumbu, kurezvewa nekuyemerwa natwo tusikana tuchiita kumora mari muzvikwama. Kakaenda kunotenga round ne $20 hakadzoke nechange, kakaenda ne$50 panongodzoka munyaridza maziso, apa murume haambotarise kuti apihwa marii anongotambira nekuisa muhomwe. Heyi nemanetsero arikuita USA $ aya? Varume kudaizvi mhuri dzinenge dzichitiiko? Vana varikunwa mvura yemupombi apa masystem emusunshine city hanta munogoapihwa? 

Anyway ndakangotiwo mawaniro atinoita akasiyana, uye avawo vakadzi vaitova pabusiness ravo, veministry of finance vadai kunetsa nenyaya yeP.A.Y.E nana V.A.T ndokwavanofanira kutambira uko because  with my own eyes own eyes, I saw brisk business. Vanhu munoti henyu kuchurch kunotrwa mari nezvegumi better munhu anenge achipa Mwari wake, Ko ava vakadzi ava vanemaoko anenge runhokwe runoti rukapinzwa mumwena wemajuru rwunobuda rwakanunira. Varume tinodyiwa masikati machena takasvinuraa sematemba.

Inini ndakanga ndakasungirira ka$20 kangu hapana aizokatsukunura muhomwe yemukati kunyange zviite sei. Tapedza kudya vasikana vakatanga kutenga tumareds  vachinwa zvavo ini ndiri wegrocery, hanta grocery munoriziva? Madrinks zve, Apa rwanga rwava rubvunzavaeni, mehepo dzechihure ndopadzinosimuka apapo. Romance dzandaiona dzakasiyana siyana. Ndakaona shasha dzangu kuswedera padhuze neni vakungondizembera zembera. Ndakatoziva kuti pano pane zvaakuda kuitika. Ndaipedzisira ndanazviswa mbutu dzinemutundo wehwahwa zvaiitwa vamwe, obviously with the frequent visit dzavainge vakuita kuladies hapana pavaimbozowaiper pachitadza kusaraa tumadrops. Paside pedu paive neimwe team yaitorirova yakakotamira pasi mukadzi akarara paback seat recruise VX.

 Better mabhururu angu ainge akadhakwa, ko ini? Aah maya hazviite. Ndakatanga kuita maoods zvekuti kana naivo vakashaya kuti zvambouya sei. Jullie akamboedza kuti pano nepano but ndakavaudza vese kuti they were a disgrace, nemunakiro wavakaita  vanoita kudhakwa zvekutadza kumira ndochii ichocho. Ndakavaudza kuti chinwai doro ndorichakupai bonde ini handiite bonde nemunhu akadhakwa. Ndakanga kungotaura nehwahwa vanhu vainge vaparara kare. Jullie anenharo dzakaipa, akanga akutoda zvekuitwa ipapo ini ndichimuudza kuti hazviite because pavanhu, plus she was drunk. 

Akatanga kungorotomoka to other ladies vaivewo vega vari four zvikanzi izvo murume wamunoona uyo ane chombo chehondo chaari kundinyima, dai iripfuti iri bhazuka chairo, vakadzi vaya anotarisana vobva vati pwati kuseka. But she did not even care kusekwa kwaaiitwa akavaudza nyaya yekufenda kwake ku3months nezuro wacho, ndikaoona vakadzi vakunyatsonditarisisa. Ndakange ndakunyara manje and iye aibva atoita manyemwe chaiwo. Bee akazomudhonza kumuisa mumota ndobva amuti gara imomo usabuda. Vakadzi vaya vainga vakungozevezerana  vachinditarisa zvekubira bira

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *