Wednesday 27 January 2016

Dzawira Mutswanda - Akanga Achangobva kuSudan Julie [Chapter 12]

 Takasvika ku Wervally vese mukuwasha, sisi, vazukuru narufaro vakashamisika kuona ndini ndirikuburuka muchahototo chehambautare ichi. Florence akamboramba akagara mumota ndichichimbundirana nevazukuru, nemwanasikana wangu.

Ndakanzwa kufara kwazvo nekuti rukanda rwake rwairatidza kuti agere hake zvakanaka, uye ainge akapfekawo mbatya yairatidza kuti yaive itsva. Kureva kuti hanzvadzi yangu paakatenga mbatya dzechristmas akatengerawo nemwana wangu.

Nenguva imwechete ndakanzwa kunyara kuti ndochengeterwa mwana nehanzvadzi kunge ndakafa. Ko iyo mari yandinotambira inomboita basa reiko? Kudyiwa nevakadzi, chokwadi kushanda 1- 30 Kushandira pakati pemakumbo? No development. Aah  uku ndokupengA Kunyerere manje uku. Ndakazozevera sisi kuti ndainge ndauya neharanga yangu kuti vazoiona saka mukuwasha ngaasazopinda busy stereki because ambuya ndevechirungu, plus she was just a .... imwe iya hanti maiziva?
Sisi vakaenda pamota vakawazisana na Florence vakatit vaenzi ngatipindei mumba, tapinda mumba takagara zvedu pamasofa, kungoti mukuwasha wangu munhu anetunhu twakewo saka handainyara kwazvo. Apa iye anga apinda mumba yemukati kutiza ambuya.

Rufaro akauya akagara pamakumbo zvikanzi and dad munobhohwa makaregerei ku prize giving day? Bamukuru ndovakatozouya, tete vanga vaenda kuchikoro kwaana Tanya. Ndakanyepa kuti ndakange ndaenda kubasa mwanangu ko wakamboita number aniko? Zvikanzi iyo yangu yemazuva ose iyo haichinje and hapana anoichinja. Ko ava vamauya navo ndiani ava? Paaitaura ndaiona rudo rwemwana nemufaro wake waknyanya kunababa vake.

But baba vacho manje, ndomarara, vanehunhu hwenyoka. Because nyoka kubva musi wainongotsotsonya mazai mwana nemwana anozvionera, aita sketch neupenyu ndeyekwake. Kana kune vabereki varikuzviita please abort it! this is a very bad habit. Dai muchiziva kuti vana ava vanoda parental care zvakadii tisingadaro mhani. munhu have your time nevana kana mwana wako. Kana vari vamwe vakazoita mari yekuita madzimai anobatsira kuchengeta vana vakabva vaita handover the motherhood responsibility kuna care giver.

Ukaona zvazosvika pakuti your child is more aligned to your care giver than you, becareful because you are a useless parent kunge inini. Kuti ukabata mwana iwe anochema, akatorwa nasisi one minute anyarara akutotamba. kana uri murume ukaona vana vakuwirirana  namukoma vemugarden zvakanyanya kudarika iwe baba vavo, zvibvunze. 
Ndakanzvenga mubvunzo wake ndichimuti chienda unotora report tione. Akamhanya achibuda musitting room ndikasara ndoti kuna Mwenewazvo iyi ishamwari yamakwiramiti iy anonzi Florence ndivachihera vanemisodzi isingadonhe pasi ava. Florence ava ndivahanzvadzi vangu ava ndovoga vanogona kudzora hupenzi kana hwawandisa.
Ndova kachengeta Rufaro kubva musi wavigwa amai vake  kusvika nhasi. Vaviri vakakwazisana, ndakashamisika Florence achipfugama pacarpet, sisi ndovakamuti aiwa aiwa hatidaro vachihera simukai zvenyu shava yangu, kwave kudhorobha kuno. Spare your energy kune kwazvinoitwa izvi. Kana nemupfekero waainge akaita aisamboita kunge CEO of a big company like that. She was decently dressed mhani.

And airatidza kunge munhu ari very humble, Kusaziva pamwe rinonyengiwa rinohwarara rinozosimudza musoro rawanikwa. Rufaro akauya nereport rake hanti kurova kunoita mwana chikoro manhi. 397 marks out of 400. Florence akarikumbira kuona ndobva ndamutambidza, vana vakanzi chiendai munotsvaga chingwa tibikire dad tea, Florence ndopaakati aah tete tine a few groceries dziri mumota and munechingwa imomo. Takazosimuka tose toenda kunotutunura magroceries. Sisi vakungoti hezvo hezvo nhai Dzindi asi ndeegore rose here magroceries aya? Ndikati handizini tete ndichihera uyu, ko ini ndoiwanepiwo zvangu mari

. Haa mwenewazvo vakafara vakaridza mupururu nekujamba jamba, kwete kuti ivo vaishaya asi ndofunga zvakangovasunungurawo panezvimwe zvinhu.  Folrence akati ndange ndatengera sisi tuhembe manje hazviite kuti ndivape vamwe vasina, tete tinozoenda kutown toenzanisa enzanisa kuti vana vafare vose. Handina kunge ndaziva kuti kunemhuri kuno.
Sisi vakati aah ko mupei ava kana muchizonovatengera mozovatengera henyuzve. Mwana kapihwa zvipo zvake zvikanzi watengerwa nadad vako. Akabva angoramba ipapo ipapo zvikanzi ndimi manditengera nekuti dad vangu havasati vambonditengera hembe. Vaksaeka vose tete naFlorence  achitambidza Rufaro mbatya nekalaptop kemagame kainge kasina kumbovhurwa.
Tete vakazoti kuna Rufaro chienda unoisa zvinhu mumba muise mvura mukettle yetea. She was smilling, achingoubuda zvikanzi nasisi hanzvadzi wazvinzwa zvataura mwana? Mwana akura uyu hanzvadzai unoenda worova kuti nyaa kukanganwa mwana, kana kufona hako hanzvadzi?

Hezvo taakunyara panevaenzi, Rufaro haana mangwana ndozvaatori izvozvi, anogara achitaura kuti dad ndakavamaka havauyi kuzondiona, havauyi kuvisiting day, havanditengeri zvandinoda and so on. Ini satete ndinomboedza kuvharavhara asi manje Mwenewazvo njere dzakawandisa plus cash talk ndopamusha manje. Gadzirisa hungu hwako mwana wamai vangu. Waita hako Chihera wandiunzira hanzvadzi yangu hameno kuti ndaizomuona gore ripi ipapa. Wotoshinga kuti svaa svaa uchimudzingira kuno, kungoti munhu wacho kani, manje unomugona ipapa?
Hukama nemwana haudi kudaro hanzvadzi, ndiwe mubereki wake chete asara, amai vemwana havachadzoki vakatotisiya, Ini semunhukadzi ndinotoona kuti kusunguka kwaTanya nekwaRufaro kwandiri zvinosiyana. Rufaro anenjere dzakapinza zvisingaite and anoreasoner kudarika vamwe vanhu vakuru chaivo. Anenjere kunge dzangu vakadaro vachiseka zvavo asi vakange vataura mashoko makukutu chaiwo. Airwadza kumedza.
Sisi vakazonosuma mamiriro emuenzi wangu kumukuwasha akazouya vakaomberana ndobva adzokera zvake mubedroom make. Tea yakabikwa Rufaro naTanya vakasetter table tikatodaidzwa kuti chiuyayi patable. We spoke about this and that mungozivawo vana vanyamunhu vakasangana kunyeya hakunonoki. Hanzi ngirozi yawatiunzira iyi wotohaya bhazi remaporofita kana toenda kumusha because tinganzwa nawo mazizi ana mai ngana, topwatika vedu nekuseka. Zvikanzi nasisi ndini ndouya kuzoroora muroora usatya kana ini ndangoapprover Dzindi hapana kwaanoenda uyu.

I missed these moments with my sister, she is open and ndomunhu asingatendereri kana kuchengeta chigumbu. Kana akakuvenga anotokuudza kuti ndakakuvenga. Ndaigara ndichinetsana naye nenyaya yekushaya diplomacy pataikura, ndaitambura nekuvhika zvibhakera adenha iye pataikura. Takunwa tea vatete nemuzukuru vakatorana kwakuvharirana mubhedhuru ravo vachimuudza kuti wandainge ndauya naye ndiyani, because she was not sure about her reaction, towards her.

 Vakazodzoka vese zvakare vakuita maformal introductions and she had accepted. Akaudzwa nasisi kuti kana uchivaona ndimhamha vako, hanti unoziva kuti iwe ndiwe chete unonzi mainini nababamukuru vako? Akasekera Rufaro achigutsurira zvairatidza kuti chigaro chake chehumainini aisada kuti chiende nemumwe munhu.
After tea ava vakazotorana nenemhuri vopinda mutown ini ndakasara natsano takumbotaura zvechirume. Takaona garden ravo nemichero yavainge vadyara zvino mvura yemudenga yavaifungidzira kuti ichasanga nayo, makunguwo asati atsotsonya. Takakurukura  natsano tikatandara kumafour ndopakadzoka vekutown mwana mumwe nemumwe akagukuchira mbatya nematoy. Kunyange naRufaro anga atengerwa zvimwe futi.

Mwene wazvo vanga vatengerwa African attire nehandbag nebhutsu dzacho. Ndikatoona kuti change paive pasisina apa because dollar power was taking over the situation, It was for a good cause of cause.
Pakaita hondo pakudzokera Rufaro naTanya vakati hatisari munoenda nesu mozonotidzora takuenda kuchikoro. Ndakazotaura nasisi paside ndikati hazviite kuti tiende navo because in Florence ndainge ndisati ndamunzwisisa, aive nemukana wekuti aigona kungodisappear nevana because rudo rwake rwainge rwaakanyanyisa.
Kana zvafamba ndaizovatora imwe weekend tichichingodaro saizvozvo.

Chihera wanted to take the girls but tete pavakabata gape racho vakazoti hazvizoite zvakanaka murume wavo aida kutanga audzwawo zvinemutsa, then zvozoitika hazvo. Semunhu akachengeta mwana kwenguva yakareba ongozonzi one day ndatouya kuzotora mwana kuenda kuholiday anogona kuzvitora nepasiriipo, saka vaizosara vachietaura naye.

Takaonekana topinda munzira takananga Harare. Apa panga pakunozhakana vanhu manje apa. Chekumirira panga pasina, tichingoti yambukei njanji yemuKadoma mota yakaiswa maharzards ndobva yapakwa palay bye.




No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *