Saturday 12 March 2016

Mboko Chena Inoparira Parere Nhema (Part 1)

Pachikwata chemadzimai ekuchurch kwedu ndini ndega ndakange ndasaririra kumaraini kwedu kuma C kuChegutu ndakanga ndine imba isina kuextendwa uye musinawo televisionv, fridge nemasofa anoonekera. 

Varume vedu vaishanda kwa David WhiteHead vachihora every Friday. 

Asi vamwe vangu vaizobatsirawo varume vavo nekuenda kuSA kunotengesa Madhoiri. Baba vekwangu vaisada kunzwa nenyaya yacho. Vaiti iwe gara pano kana uchida zveikoko woenda ikoko. Ukuwo shamwari dzangu dzekuchurch dzange dzakundiscratcher because grade remararamiro range rasiyana.

Vaikandirana masociety emari dzinotyisa kwazvo, ndopanevanhu vakatanga tanga muChegutu kuimporter mota kubva kuJapan. Mumwe wacho akange atovhura garage rekutengesera mota muHarare. Vana vangu nguva yekuona wrestling masaturdays waiwana vakaungana padoor revagoni zvavo vaiva nezvinhu zvavo vachionawo zvivhiti vhiti. Izvi zvakandibaya moyo ndikaonda kwazvo. Kumwe kwacho vaigona kunzi pindai mugare pasi mungasvibisa masofa. Shamwari dzacho dzikauyawo kumba vanotanga kubvunza ko imi hamuna ichi nechichi. Zvaishungurudza ini mai vavo. Veduwe mwana kwaanorambidzwa ndokwaanoda ikoko.
Mboko Chena Inoparira Parere Nhema (Part 1)

I had to take my husband head on because it was too much. It was my time to help, because vamwe vachibudirira isu taidzikira, ndichisekwa ndichinzi kagoalkeeper kanogarira pay yemurume. Kuzoti pakazopihwa varwi verusununguko mafifty thousand avo paya dhora rakabva raita kuwondomoka, upenyu hwakatanga kusunga zvekuti tange takungononga svosve nemuromo.

Mwana anga atsva dumbu mai vatsva musana. Uku vamwe vangu vaiyevedza kunge miti yakasimwa pahova dzemvura. Ndakatanga kutatatsurana nemurume wangu siku nesikati kusvika akatoona kuti imba yacho yaigona kuparara nekuti kana nebonde chairo ndakange ndakurara ndakapfeka kuratidza kuti ndaisada zvekugumwa nezimunhu raive neshavi remarambapfuma.

Aona ushingi hwangu akazongobvumawo hake but in protest. Ndikati hezvo murume anoita dhimoni regudo rinofamba rakabata tasingeni yemukadzi aah!! Ndochoga here kungoda kurara akagumbatirwa semwana mhuri ichifa nenzara uye tichiitwa chiseko chenyika.

When I broke the news to my ‘friends’ they were very happy, uye vaizondiwedzera mari yestart paka pay kababa kepavhiki kavaitambira kwavaishanda. Friday ichikwana ndange ndaunganindza madhoiri angu akati wandei because hanzi ndoainyanya kudiwa ikoko. I was ready to go kuSA, my first time kubudawo kunze kenyika pamakore 28 ekuberekwa. Takanga takapfekawo semadzimai evanhu, kuChegutu takabva tiri vashanu kuenda kuRoadport uko takazonobatanawo nevamwe vaienda Joni. Madzimai ekuchurch vaidarika gumi vaiva mubhazi umu kusanganisira neniwo mutsva wetsambo.

Takanosvika paboarder ini ndaingoudzwa zvekuita ndichitevedzera nekuti hapana chandaiziva nezvekubuda kunze kwenyika. Takapedzerwakudhindirwa mapassport edu takuenda kunomirira kupinda mubhazi kenerumwe rutivi kwaLimpompo ndakatoona kuti masamba asiyana. Vamwe vangu vakange vapinda mumatoilets vachinja mbatya vapfeka hwezvavarume chaidzo, ma ring emuchato muzvigunwe hamusisina, make up dzarohwa haikona kutaura, ndakatombovashaya kuti ndovanhu vandabva navo here ava? Ndovanhu vandaiziva chaivo here ava? Vamwe vacho ndovaitungamirira praise and worship choir yekuHarare vachiti kana voimba apa tese taipinda munyasha nekuvanetariro yehumambo hwekudenga sezvo panyika tiri vapfuuri.

Vana vevanhu vapoda poda, miromo yapendwa pendwa, ndega ndakasekerera ndikagutsikana kuti hedzinoi pafambi dzakaroorwa, chero zvazvo zvichinzi tisatonga vamwe kutonga ndekwaMwari asi izvi zvaiva pachena semuchairi wetarakita.

Ndakatanga kunyumwa kuti kwatirikuenda kunenge kusina kunaka uku. Vakatanga kuita tuma meeting, meeting mubhazi vachingondicheuka cheuka zvekubira bira ndikatoona kuti ndini ndaitaurwa patumameeting twaiitwa. It looked like they were desperate kuti vachaita sei neni. Ndega ndakatosensor kuti I was in a bad situation.

Pakazouya amai Gosa ndovakati nhai mainini, kovamwe venyu vakanga vakuudzai here zvinoitwa kuno? Ini ndikati ndongoziva kuti kunotengeswa madhoiri ndozvandafambira chete. Zvikanzi chinzwaika mainini mukaita zvekutamba hamudzokeri kumba, SA yakasiyana neZimbabwe, anyway ndichaedza kukubatsirai tione kuti tingaita sei kuti zvifambe. Mukaita dzungu munofa makanyenama muno mundazo mainini. Motoita zvekuno, kana tazodzokera kuZimbabwe tozodzokerawo kuhunhu hwemuZimbabwe.

Rule number 1 and the golden rule; Kuno hakuna mukadzi wemunhu, kana mai vekuchurch mainini, tinotsvaga mari, and matsvagiro atinoita mari haanei nemumwe munhu.

Rule number 2; Zvekuno zvinoperera kuno hazviyambuki rwizi Limpopo.

You take instructions from me, ukada kuita dzungu hameno hako. Vakatsanagura mafambiro aizoita zvinhu mberi kwataienda, zvandakanzwa nezvanadiiudzwa zvakandiomesa mate mumukanwa. In short mumwe nemumwe aive nechikomba chake chechirungu, yaitove club yevarume vechirungu vaidanana nema black Zimbabweans, saka ini ndini ndega ndange ndisina aizonondichengeta asi vaizoona zvekuita. Ma cellphone achakosha aya, yanga yangova halo halo halo. Yekufananidza nguvo nedzatarubva iyi, yanga yandiwisira mumangondongodo..

Patakazonosvika kuJ/bg hwange hwava husiku chaihwo. Takasvikowana vamwe vakamirirwa nemota dzevarungu, zviya zvinoitwa vana vechikoro vanodzidzia muzvikoro zvakasinukira. Mota dzaiva fararira dzemhando nemhando ukuwo munhu aindozvuzvurudzana nekatundu kake achinogamwa nehug nechikomba vopinda mumota vobva vadyiwa nerima. takambosara tirivashanu, shamwari yangu yekuChegutu yakangoti tozoonana musi weChina takudzokera tosangana pano pamabhazi ndokupindawo mumota ndokudyiwawo nerima zvainge zvapera kuita vamwe.

Ndange zvino ndangoti kwati nasisi vangu vaye mai Gosa. Vairatidza kuti ndovange vave captain wechikwata. Ungazoziva kuti ndovanamai vekereke vaya ava, vanhu vanochinja zvamunoona hama dzangu. Pasina nguva mota dzakasvika mbiri dzikatora vamwe vaviri ava vakandioneka ndikasara namai Gosa. Paityisa pataivari uchingonzwa vhudzi kuti nyau nyau apakwakasviba.

Pakazouya dzimwe mbiri ivo kwakuenda paneimwe yacho vakamboita kameeting vari three nevarungu vaye. Vakazodzoka nemumwe wacho zvikanzi mainini meet Jimmy, he will take care of you, kana paita problem anoziva kwekundiwana. Jimmy meet Fadzai but you can call her Fadzi, take care of my little sister, she just divorced a few months ago as you can see she still has a wedding ring for they are finalizing divorce papers, just be patient with her it will be fine. Ndakanyeperwa ndakavhurirwa ziso rekuti ukada kuita funny unondiona,ndakabva ndanzi pindai mumota umo. Ndaizopinda mumota memunhu wandisingazive achienda neni kupi manje?

Ndakaoma shaya kushaya chekupindura, ndakamira kudaro mabeg angu emadhoiri airongedzwa muBMW, sisi vangu vatogara front seat vachingopedza vakabva vandiwaver ruoko and they disappeared in the darkness as well. Hezvoo zvaari mashura nhaimi, ndatosiiwa pano? Hapana kana wandinoziva, kana kwekuenda and husiku.

Njere dzinotenderera nguva diki diki so, Ndiri mudzungu rendangariro Jimmy was calling for me kuti tiende and he was getting impatient. Ndakabatwa ruoko ndakudhonzwa I did not know kuti ndoramba here kana kuti kwete. Imwe pfungwa yakazoti chakakosha kudzokera kumba urimupenyu just play along mangwana ndozoona yekutamba. Ndakapinda mumota and off we went.

No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *