Wednesday 11 May 2016

Zvidzidzo Zvebonde Series (No Under 18) (Part 1)

Zvinokosha kudzidzisa vanhurume kuti mukadzi anobatwa sei pabonde zvinoita kuti agutsikane kuti ane murume mumba. 

Panoitwa bonde nevaviri mese munofanira kusara makaguta, asi regai ndikurumidze kuti hapana mukadzi anosiya murume nenzara pabonde asi vakadzi vazhinji mumarelationships varikugarira nzara chaiyo because her man does not know how to drive her crazy.

Vamwe vakadzi vanotozopedzisira vave kuita bonyora vachishandisa zvigunwe, kana ma sex toys mushure mekunge angodenhewa havi obva asiiwa asina chaanzwa. Vamwewo vanemafeelings ari very high uye vakapoya pairairwa vamwe vana vanopedzisira vaakuti gumbo mumba gumbo panze. Zvinopedzisira zvaunza kuparara kwedzimba, kana kuunza rufu muwanano nekuda kwezvirwere zvepabonde. Saka ndakaona zvakakodzera kuti tiitseketudze nyaya iyi muudzamu hwayo kuti pawane vanobatsirika.

Varume chavanofanira kuziva ndechekuti bonde rakakosha paupenyu hwemunhukadzi nekuti ndochete raanosimukira kumba kwevabereki vake, kusiya musha waakaberekwa nevabereki vake vaanodisa kwazvo, osiya hama dzake dzose kuuya kuzoita bond newe mutorwa ozvipira kuchinja nezita kuti awane chinhu ichochi chete chinonzi bonde. Pafungisisei varume, musaita zvekutamba nemutambo uyu. Saka tichiona kukosha kwechinhu chakadai, iwe ndopowoita hako zinyeke nyeke pakuutatsura, godo kana chigumbu chacho hachiperi varume uye kana denga chairo haungaripinde iwe. Vakadzi ava avoda kupuhwa bonde kusvika akudzvova bonde rega rega. Kwete kunzwa mukadzi achiti “Ndongogarira vana vangu nezita rekunzi ndinemurume”
Zvidzidzo Zvebonde Series (No Under 18) (Part 1)
Varume nevakadzi zivai kuti kuzvarisa vana handiko kugona bonde, nekuti even abatwa chibharo anongoitawo mimba achibara mwana,kana vana. Ruzhinji rwevarume varimunyika muno vari mumupanda wemabhinya, madhusvura moyo chaiwo kana tasvika panyaya dzebonde. Saka donzo rechinyorwa chino nderekuti patinonopedza chinyorwa chino tinenge tave nevarume vakasanangurwa, varume vanorememekedza miviri yemadzimai avo, varume vanoziva rudo uye nzira dzakafanira dzinogutsa mukadzi pabonde. Kana mukadzi akaguta bonde even mumba muinenzara, wanano iyoyo inemufaro, sungano iyoyo hainzikwe tsamwa kana bopoto,uye hapana gumbo mumba gumbo panze rinoitika kutosara kana zvava zvemweya yetsvina masvavi ekumadokero.

Zvechokwadiwo kunemaexceptonal cases evakadzi vanoita kunge mboi yegudo, wekuti kunyangwe varume vakaita gumi anovatenderedza vose achisara asina kuguta zvakare, aiwa avo havasiivo vatirikutaura nezvavo nekuti varwere vebonde avo, apa takanangana ne a normal woman. Ndeiye wandiri kuti murume kana wave pabonde mukadzi iyeye anofanira kuguta bonde. Tisati taenda kure ndoda kuti varume vese muzive zvinhu zvinotevera toita self assessment tione kuti tiripapi;

Chekutanga ndechekuti pamunoita bonde nemukadzi wako pamunopedza anopikuta nhengo yako here? Kana achioukuta, pakanaka asi kana uchizvipukuta chiratidzo chekuti panyaya dzebonde uridofo chairo urikumupedzera nguva. Panoda kugadaziriswa.

Chechipri ndechekuti mapukutiro aanokuita anoita sei? Anopukuta nhengo yako nemaoko maviri here kana neruoko rumwe chete? Kana achipukuta nemaoko maviri hapana chakaipa chiratidzo chekuti urikuzvambura munhu uye anopa ruremekedzo kuchombo chinogutsa icho.Madzisekuru edu aigarotiudza kuti ukaona mukadzi achiti apedza kudya anogeza ruoko rumwechete ziva kuti haana kufarira usavi hwaadya nahwo. Iri idimikira rinoreva kuti ukaona mukadzi achiti maedza bonde anobata chombo chemurume neruoko rumwe chete achipukuta kureva kuti rwendo rwaperera panzira, HAANA KUGUTA. Panoda kugadziriswa ipapo.Hapana kumira zvakanaka apo mukadzi anogona kubatwa nemweya wemaramba imba akakutiza iwe. Tizirwa zvimwe kwete kunzi haugoni bonde, aah kwete hazviite

Chechitatu, Kana mapedza bonde anotenda here mukadzi? Kana achitenda kwete zvekuvhara vhara asi zvechokwadi hapana chakaipa. Asi kana pasina kutendwa umm pakaipa mumwe wangu, pamwe pacho unoona mukadzi achiridza katsamwa karikure kure, kana kuona mukadzi zchishaya mufaro akati zii woona misodzi yajenga mumaziso so. Kana waita zvivindi zvekubvunza unongopindurwa kuti hapana hapana.

Mumwe ndiye anoti kana a sviba moyo nematakanana aunenge urikumuitira unonzwa aakukubvunza kuti “Saka matopedza?” Kana zvauri kutita zvisiri zveubaba uchiri kuita unogona kusangana nemubvunzo wekuti “Hausati wapedza? Chipedza ndoda kurara.” These are dangerous signs of total failure varume and musazvitora dambe.

Chekupedzisira ndechekuti kana wanyatsoshanda basa nemazvo panekasmell kaunonzwa mumba, kana wherever pamunge muri. Mixture yehurume nehukadzi inobutsa kamunhuwi kekuti hauudzwi wega unongozvizivira kuti ndagohwesa pano. Kana urikusangana nezvimwe zvezvinhu zvandataura pamusoro apo, don`t be angry with yourself but accept kuti panezvinoda kugadziriswa pamaitiro ako bonde, kwete nemushonga, asi nedzidziso yandichange ndichipa muchinyorwa chino.

Tichabata bata zvakawanda zvinokonzeresa kukundikana kwemunhurume pabonde kunyanya nyaya yekushaya ruzivo rwakakwana nezvaunofanira kuita kana wave panguva yepabonde Uye zvunofanira kuita kumugadzirira mukadzi wako wako kuti anzwe hudokwa dokwa hwekuti dai nguva yacho yachikwana. Unofanira kugona kunyenga pfungwa dzemudiwa wako zvakachenjera zvekuti haana mumwe munhu waangaoona achigona kudarika iwe pabonde.

Muchikamu chepiri tichabata nyaya rehukuru nemamiriro enhengo yemurume, zvine zvazvinotadzisa here kugutsa kukadzi? Ko ndezvipi zvingaitwe nemurume kuti ange achizvigadzirira iye kuve murume chaiye akakwana? Ngatisanganeyi muchikamu chinotevera.


No comments:

Post a Comment

Contact Form

Name

Email *

Message *